Sezvo Mwari achiona mwoyo nepfungwa dzevanhu, hapana chinogona kuvanzwa kwaari. Zvinhu zvose zvinoitwa nemunhu muupenyu zvichabudiswa pachena pamberi pechigaro chekutonga chaMwari, uye munhu wose achatongwa maererano nemabasa ake. Naizvozvo, Bhaibheri rinoti, “mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya.”
Zvichienderana nedzidziso dzaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, avo vakati, “Zvose zvamakaitira mumwe wevadiki ava, makaitira Ini,” vatendi veKereke YaMwari vanoshumirana nekuzvininipisa uye kuisa rudo muchiito. Uyezve, vanotora sechidzidzo kuparadzwa kwakakonzerwa nekunyunyuta nekugunun'una kwevaIsraeri pamwe neunzenza hwaHofini naFinehasi, vanakomana vemupristi, uye vanogara vachiedza kurarama upenyu hutsvene hwekutenda.
nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya. 1 Petro 1:16–17
Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa. Muparidzi 12:13–14
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy